Pisarema 133
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
Zvakanaka uye zvinofadza sei
kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,
anoerera kundebvu,
anoerera kundebvu dzaAroni,
anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.
Zvinoita sokuti dova reHerimoni
riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.
Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,
ihwo upenyu husingaperi-peri.