Pisarema 137
Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema,
patakarangarira Zioni.
Pamikonachando apo
ndipo patakaturika mbira dzedu,
nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo,
vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati,
“Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”
 
Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha
tiri munyika yokumwe?
Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema,
ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu,
kana ndikasakurangarira iwe,
kana ndisingafungi Jerusarema,
iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.
 
Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu,
pazuva rakawa Jerusarema.
Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei
kusvikira panheyo dzaro!”
 
Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa,
achafara munhu uyo achatsiva
kwauri zvawakaita kwatiri,
iye achatora pwere dzako
agodzirovera pamatombo.