Pisarema 146
Rumbidza Jehovha.
 
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
 
Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;
ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
 
Regai kuvimba namachinda,
navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;
pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
 
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,
tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
Muiti wedenga nenyika,
gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha,
anogara akatendeka nokusingaperi.
Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa,
uye anopa zvokudya vane nzara.
Jehovha anosunungura vasungwa.
Jehovha anosvinudza mapofu,
Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,
Jehovha anoda vakarurama.
Jehovha anorinda vatorwa
uye anoriritira nherera nechirikadzi,
asi anokonesa nzira dzavakaipa.
 
10 Jehovha anotonga nokusingaperi,
Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.
 
Rumbidza Jehovha.