Pisarema 19
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;
matenga anoparidza mabasa amaoko ake.
Zuva nezuva anotaura;
usiku nousiku anoratidza zivo.
Hakuna mutauro kana rurimi
rusinganzwi inzwi ravo.
Inzwi razvo rinosvika panyika yose,
mashoko azvo kumagumo apasi.
 
Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,
rakaita sechikomba chinobuda mumba,
seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.
Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga
richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi;
hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.
 
Murayiro waJehovha wakakwana,
unomutsiridza mweya.
Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,
zvinopa njere kuna vasina mano.
Zvirevo zvaJehovha zvakarurama,
zvinopa mufaro kumwoyo.
Murayiro waJehovha unopenya,
unopa chiedza kumaziso.
Kutya Jehovha kwakanaka,
kunogara nokusingaperi.
Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi
uye zvose zvakarurama.
10 Zvinokosha kupfuura goridhe,
kupfuura goridhe rakanatswa;
zvinotapira kupfuura uchi,
kupinda uchi hwabva muzinga.
11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo;
pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.
 
12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake?
Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni;
ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu.
Ipapo handizovi nemhosva,
ndisina mhaka yokudarika kukuru.
 
14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu
ngazvifadze pamberi penyu,
imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.