Pisarema 24
Pisarema raDhavhidhi.
Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,
nyika, navose vanogaramo;
nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa
uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
 
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?
Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,
asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,
kana kupika nhema.
 
Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha
nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,
ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.
Sera
 
Simudzai misoro yenyu, imi masuo;
muisimudze, imi makonhi akare,
kuti Mambo wokubwinya apinde.
Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?
Ndiye Jehovha ane simba noumhare,
Jehovha ane simba pakurwa.
Simudzai misoro yenyu, imi masuo;
muasimudze, imi makonhi akare,
kuti Mambo wokubwinya apinde.
10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?
Jehovha Wamasimba Ose,
ndiye Mambo wokubwinya.
Sera