Pisarema 32
Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.
Akaropafadzwa uyo
akakanganwirwa kudarika kwake,
akafukidzirwa zvivi zvake.
Akaropafadzwa munhu
asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,
uye asina kunyengera mumwoyo make.
 
Pandakanyarara,
mapfupa angu akarukutika nokuda
kwokugomera kwangu zuva rose.
Nokuti masikati nousiku
ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;
simba rangu rakasvetwa
sezvinoita kupisa kwechirimo.
Sera
 
Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri
uye handina kuvanza chakaipa changu.
Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”
uye makandiregerera mhosva yechivi changu.
Sera
 
Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri
muchiri kuwanikwa;
zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,
haingasviki kwavari.
Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;
muchandidzivirira panhamo
uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko.
Sera
 
Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;
ndichakupa zano uye ndichakurinda.
Rega kuva sebhiza kana senyurusi,
zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa
nomukaro kana namatomu,
kana kuti hazvingauyi kwauri.
10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji,
asi rudo rusingaperi rwaJehovha
runopoteredza munhu anovimba naye.
 
11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;
imbai, imi mose makarurama pamwoyo!