Pisarema 40
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;
iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.
Akandibudisa mugomba rakadzika,
kunze kwamatope netsvina;
akamisa tsoka dzangu padombo
akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.
Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,
rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu.
Vazhinji vachaona, uye vachatya
uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.
 
Akaropafadzwa munhu
akaita Jehovha ruvimbo rwake,
asingatariri kuna vanozvikudza,
kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.
Haiwa Jehovha, Mwari wangu,
zvizhinji zvishamiso zvamakaita.
Zvinhu zvamakatitongera hakuna
angazvirondedzera kwamuri;
dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo,
zvaizowandisa kuzvizivisa.
 
Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo,
asi nzeve dzangu makadziboora;
zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso
zvezvivi hamuna kuzvireva.
Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu,
ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.
Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu;
murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”
 
Ndinoparidza kururama paungano huru;
handidziviri miromo yangu,
sokuziva kwenyu, imi Jehovha.
10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu;
ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.
Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu
paungano huru.
 
11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;
rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.
12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza;
zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona.
Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu,
uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.
 
13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;
haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.
14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu
ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;
vose vanoda kuparadzwa kwangu
ngavadzoserwe shure vanyadziswe.
15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”
ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.
16 Asi vose vanokutsvakai
ngavafare uye vafarisise mamuri;
avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti,
“Jehovha ngaakudzwe!”
 
17 Asi ndiri murombo nomushayiwi;
dai Ishe vandifungawo.
Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu;
haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.