BHUKU 2
42
Mapisarema 42–72
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.
Senondo inodokwairira hova dzemvura,
saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.
Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.
Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?
Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu
masikati nousiku,
asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri,
“Mwari wako aripiko?”
Ndinorangarira zvinhu izvi
pandinodurura mweya wangu,
mafambiro andaiita navazhinji
ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari,
nokupembera nomufaro uye nokuvonga
pakati pavazhinji pamutambo.
 
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve,
Muponesi wangu naMwari wangu.
 
Mweya wangu wakaneta mukati mangu;
naizvozvo ndichakurangarirai
ndiri kunyika yeJorodhani,
pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.
Pakadzika panodana pakadzika
mukutinhira kwamapopopo emvura;
mafungu enyu ose namafashamu
akapfuura napamusoro pangu.
 
Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake,
pausiku rwiyo rwake runeni,
munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
 
Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu,
“Mandikanganwireiko?
Ndinofambireiko ndichichema
ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”
10 Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu,
sezvo vavengi vangu vachindizvidza
zuva rose vachiti kwandiri,
“Mwari wako aripiko?”
 
11 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve.
Muponesi wangu naMwari wangu.