Pisarema 45
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.
Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka,
pandinodetembera mambo ndima dzangu;
rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.
 
Imi makanakisisa pavanhu vose
uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha,
sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.
 
Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba,
zvishongedzei nokubwinya noumambo.
Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo,
makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama;
ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.
Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo;
ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.
Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri;
tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.
Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa;
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu
nokukuzodzai namafuta omufaro.
Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia,
zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou,
kurira kwehungiso kunokufadzai.
Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa;
kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.
 
10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira,
uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.
11 Mambo ayevedzwa norunako rwako;
mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.
12 Mwanasikana weTire achauya nechipo,
vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.
 
13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.
14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo;
shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera
uye vanouyiswa kwamuri.
15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa;
vanopinda mumuzinda wamambo.
 
16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu;
muchavaita machinda munyika yose.
17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose;
naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.