Pisarema 67
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo.
Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze,
uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,
Sera
kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika,
ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
 
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;
marudzi ose ngaakurumbidzei.
Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro,
nokuti munotonga marudzi nokururamisira,
uye munotungamirira ndudzi dzenyika.
Sera
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;
marudzi ose ngaakurumbidzei.
 
Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo,
uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
Mwari achatiropafadza,
uye migumo yose yepasi ichamutya.