Pisarema 75
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.
Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,
nokuti Zita renyu riri pedyo;
vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
 
Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;
ndini ndinotonga zvakarurama.
Panozununguka nyika yose navanhu vayo,
ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba.
Sera
Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’
uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga;
regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”
 
Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira,
kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
Asi Mwari ndiye anotonga:
Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
Muruoko rwaJehovha mune mukombe
uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira;
anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika
vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
 
Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi;
ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
10 Ndichagura nyanga dzavakaipa vose,
asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.