Pisarema 77
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi.
Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire;
ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe;
panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti,
uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
 
Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera;
ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya.
Sera
Makakonesa meso angu kutsinzina;
ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
Ndakarangarira mazuva ekare,
makore ekare kare;
ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku.
Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
 
“Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here?
Haachazombonzwiri ngonizve here?
Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here?
Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?
Sera
Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here?
Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
 
10 Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi:
makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”
11 Ndicharangarira mabasa aJehovha;
hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
12 Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,
uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.
 
13 Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.
Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
14 Muri Mwari anoita zvishamiso;
munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15 Noruoko rwenyu rune simba,
makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa.
Sera
 
16 Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari,
mvura zhinji yakakuonai ikatya;
kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17 Makore akadurura mvura,
kumatenga kwakaunga nokutinhira;
miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18 Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri,
kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika;
nyika yakadedera ikadengenyeka.
19 Gwara renyu rakapinda nomugungwa,
nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji,
kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
 
20 Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai
noruoko rwaMozisi naAroni.