Pisarema 84
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.
Ugaro hwenyu hwakanaka sei,
imi Jehovha Wamasimba Ose!
Mweya wangu unopanga,
uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;
mwoyo wangu nenyama yangu
zvinodana kuna Mwari mupenyu.
 
Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,
nenyenganyenga yakazviwanirawo
dendere kwaingachochonyera vana vayo,
iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,
imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.
Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;
vanogara vachikurumbidzai.
Sera
 
Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,
vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.
Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,
vanouita nzvimbo yamatsime;
mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.
Vanowedzera simba pasimba,
kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.
 
Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;
rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho.
Sera
Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;
ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.
 
10 Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,
kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;
ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari
wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
11 Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;
Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;
hapana chinhu chakanaka chaanganyima
avo vanofamba zvakarurama.
 
12 Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,
akaropafadzwa munhu anovimba nemi.