Pisarema 87
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.
Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
Jehovha anoda masuo eZioni
kupfuura pose panogara Jakobho.
Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,
iwe guta raMwari:
Sera
“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi
pakati pavanondiziva,
neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,
uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”
 
Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,
“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,
uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,
kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.”
Sera
Pavanoimba, vachaimba vachiti,
“Matsime angu ose ari mamuri.”