20
Kutapwa kweRabha
Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara. Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarenda* regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema.
Hondo navaFiristia
Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa.
Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami mununʼuna waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki.
Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa. Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi akamuuraya.
Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.
* 20:2 20:2 makirogiramu angaita 34