23
VaRevhi
Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.
Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
 
Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.
VaGerishoni
VokwaGerishoni vaiva:
Radhani naShimei.
Vanakomana vaRadhani vaiva:
Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.
Vanakomana vaShimei vaiva:
Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete.
Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.
10 Uye vanakomana vaShimei vaiva:
Jahati, Ziza, Jeushi naBheria.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.
11 (Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)
VaKohati
12 Vanakomana vaKohati vaiva:
Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.
13 Vanakomana vaAmiramu vaiva:
Aroni naMozisi.
Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi. 14 Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.
15 Vanakomana vaMozisi vaiva:
Gerishomi naEriezeri.
16 Zvizvarwa zvaGerishomi:
Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.
17 Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva:
Rehabhia ndiye aiva wokutanga.
(Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)
18 Vanakomana vaIzhari:
Sheromiti ndiye aiva wokutanga.
19 Vanakomana vaHebhuroni:
Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri,
Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.
20 Vanakomana vaUzieri:
Mika wokutanga naIshia wechipiri.
VaMerari
21 Vanakomana vaMerari, vaiva:
Mari naMushi.
Vanakomana vaMari vaiva:
Ereazari naKishi.
22 (Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)
23 Vanakomana vaMushi vaiva:
Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.
 
24 Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha. 25 Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi, 26 vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.” 27 Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.
 
28 Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari. 29 Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru. 30 Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru 31 uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.
32 Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.