4
Dzimwe Dzimba dzaJudha
Zvizvarwa zvaJudha zvaiva:
Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.
Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami:
Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi. Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.
Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.
Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.
Vanakomana vaHera vaiva:
Zareti, Zohari, Etinani naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.
 
Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.” 10 Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
 
11 Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni. 12 Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.
 
13 Vanakomana vaKenazi vaiva:
Otinieri naSeraya.
Vanakomana vaOtinieri vaiva:
Hatati naMeonotai. 14 Meonotai aiva baba vaOfira.
Seraya aiva baba vaJoabhu,
baba vaGe Harashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.
15 Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva:
Iru, Era naNaami.
Mwanakomana waEra
ainzi Kenazi.
16 Vanakomana vaJehareri vaiva:
Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.
17 Vanakomana vaEzira vaiva:
Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni.
Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa. 18 Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.
Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.
19 Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva:
baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.
20 Vanakomana vaShimoni vaiva:
Amunoni, Rina, Bheni-Hanani naTironi.
Zvizvarwa zvaIshi zvaiva:
Zoheti naBheni-Zoheti.
21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva:
Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibhea.
22 Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.) 23 Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.
Simeoni
24 Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva:
Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;
25 Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.
26 Zvizvarwa zvaMishima zvaiva:
Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.
 
27 Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha. 28 Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari, 29 Bhiriha, Ezemi, Toradhi, 30 Bhetueri, Horima, Zikiragi, 31 Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi. 32 Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu 33 nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara.
 
Uye vakachengeta nhoroondo yezvizvarwa zvavo:
 
34 Meshobhabhi, Jamireki,
Josha mwanakomana waAmazia, 35 Joere,
Jehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,
36 uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya,
Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,
37 naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.
 
38 Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo.
 
Mhuri dzavo dzakakura kwazvo 39 uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro. 40 Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.
41 Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo. 42 Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri. 43 Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.