18
Kuwa kweBhabhironi
Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake. Akadanidzira nenzwi guru achiti:
“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!
Rava musha wamadhimoni
nougaro hwemweya yose yakaipa,
ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
Nokuti ndudzi dzose dzakanwa
waini inopengesa youpombwe hwaro.
Madzimambo enyika akaita upombwe naro,
uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”
Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:
“Budai mariri, vanhu vangu,
kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,
kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;
nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,
uye Mwari arangarira mhosva dzaro.
Ritsivei semabasa arakaita;
ritsivei kaviri pane zvarakaita.
Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.
Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze
sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.
Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,
‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi,
uye handingatongochemi.’
Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:
rufu, kuchema, nenzara.
Achaparadzwa nomoto,
nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.
“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro. 10 Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti:
“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,
Iwe Bhabhironi, guta resimba!
Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’
11 “Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve, 12 nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; 13 nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14 “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ 15 Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza 16 uye vachadanidzira vachiti:
“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,
wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,
uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!
17 Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’
“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure. 18 Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’ 19 Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:
“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,
vose vaiva nezvikepe pagungwa
vakapfuma noupfumi hwaro!
Muawa imwe chete, raparara!
20 Farai pamusoro paro, imi denga!
Farai, vatsvene navapostori navaprofita!
Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ”
21 Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:
“Nechisimba chakadai
guta guru reBhabhironi richakandwa pasi,
risingazombowanikwazve.
22 Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,
hakuchazonzwikwazve mauri.
Hakuna munhu webasa ripi zvaro
achazowanikwazve mauri.
Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri.
23 Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri.
Inzwi rechikomba neromwenga
hazvichazonzwikwazve mauri.
Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika.
Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.
24 Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,
neravose vakaurayiwa panyika.”