6
Shamwari
Ko, mudiwa wako aendepiko,
iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?
Mudiwa wako aenda nokupiko,
kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?
Mukadzi
Mudiwa wangu adzika kubindu rake,
kumihomba yezvinonhuwirira,
kuti andomema mumapindu
uye agotanha maruva.
Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu;
anomema pakati pamaruva.
Murume
Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza,
unoyevedza seJerusarema,
unoremekedzeka samauto ane mireza.
Bvisa meso ako pandiri;
anondikunda.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka muGireadhi.
Meno ako akafanana neboka ramakwai
achangobva mukushambidzwa.
Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro,
pasina riri roga zvaro.
Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu,
navarongo makumi masere
nemhandara dzisingaverengeki;
Asi njiva yangu, iye akakwana wangu,
ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake,
iye woga anodikanwa naiye akamubereka.
Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa.
Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.
Shamwari
10 Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza,
akanaka somwedzi, anopenya sezuva,
akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?
Murume
11 Ndakadzika kusango remiti yemipfura
kundoona zvitsva zvakamera mumupata,
kundoona kana mizambiringa yainge yabukira,
kana kuti mitamba yainge yava namaruva.
12 Ndisati ndambodii,
mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.
Shamwari
13 Dzoka, dzoka iwe muShurami;
dzoka, dzoka kuti timbokuona!
Mudiwa
Ko, munodirei kuona muShurami
sezvamunoita mutambo weMahanaimi?