3
Kushaya Umwari paMazuva Okupedzisira
Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.
Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi. Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.
Pauro anorayira Timoti
10 Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira, 11 matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose. 12 Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa, 13 asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa. 14 Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, 15 uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. 16 Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, 17 kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.