13
Kushambidzwa paZvivi
“Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena.
“Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya.
“Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’ Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’
Mufudzi arohwa, makwai akapararira
“Muka, iwe munondo, urwise mufudzi,
urwise munhu ari pedyo neni!”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Rova mufudzi, makwai agopararira,
uye ndichasimudza ruoko rwangu
kuti rurwise madiki acho.
Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara;
asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.
Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto;
ndichavanatsa sesirivha
uye ndichavaedza segoridhe.
Vachadana kuzita rangu
uye ndichavapindura;
ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’
Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”