9
Kutongwa kwaVavengi veIsraeri
Chirevo
Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki
uye richagara pamusoro peDhamasiko,
nokuti meso avanhu naamarudzi ose
eIsraeri ari pana Jehovha,
uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro,
uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.
Tire yakazvivakira nhare;
yakaunganidza sirivha seguruva
uye goridhe samarara omumugwagwa.
Asi Ishe achatora upfumi hwayo
uye achaparadzira simba rayo pagungwa,
uye ichaparadzwa nomoto.
Ashikeroni richazviona, rigotya;
Gaza richatambura mukurwadziwa,
neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera.
Gaza richarasikirwa namambo waro
uye Ashikeroni haringavi navanhu.
Vatorwa vachagara paAshidhodhi,
uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.
Ndichabvisa ropa pamiromo yavo,
kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo.
Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu
uye vachava vatungamiri muJudha,
uye Ekironi achava savaJebhusi.
Asi ndichadzivirira imba yangu
pavarwi vanoirwisa.
Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu,
nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.
Kuuya kwaMambo weZioni
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!
Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!
Tarira, mambo wako anouya kwauri,
iye akarurama uye ano ruponeso,
anozvininipisa akatasva mbongoro,
iyo mhuru, mwana wembongoro.
10 Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu,
namabhiza ehondo kuJerusarema,
uye uta hwehondo huchavhunwa.
Achaparidzira ndudzi rugare.
Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa,
uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.
11 Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe,
ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.
12 Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro;
kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.
13 Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu,
uye ndichaizadza naEfuremu.
Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni,
kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi;
uye ndichakuita somunondo wemhare.
Jehovha achaonekwa
14 Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo;
museve wake uchapenya semheni.
Ishe Jehovha acharidza hwamanda;
achafamba mudutu rezasi.
15 Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira.
Vachaparadza
uye vachakunda nezvimviriri.
Vachanwa vagoomba sevanwa waini;
vachazara sembiya dzinoshandiswa
pakusasa makona earitari.
16 Jehovha Mwari wavo achavaponesa
pazuva iroro seboka ravanhu vake,
Vachavaima munyika yake
samabwe anokosha ari mukorona.
17 Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!
Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire,
uye waini itsva kumhandara.