MUPARIDZI
1
Zvose hazvina maturo
Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
Zvanzi noMuparidzi,
“Hazvina maturo! Hazvina maturo!
Hazvina maturo chose!
Zvose hazvina maturo.”
 
Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose
kwaanoita nesimba pasi pezuva?
Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda,
asi nyika inogara nokusingaperi.
Zuva rinobuda uye zuva rinovira,
uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi,
yozodzokera kumusoro;
inotenderera nokutenderera
ichingodzokerazve pagwara rayo.
Nzizi dzose dzinodira mugungwa,
kunyange zvakadaro gungwa harizari.
Kunzvimbo kwadzinobva nzizi,
ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.
Zvinhu zvose zvinonetesa,
zvisina ani angazvitaura.
Ziso hariguti kuona,
uye nzeve haizari nokunzwa.
Chakanga chiripo, chichazovapozve,
chakamboitwa chichaitwazve;
hapana chitsva pasi pezuva.
10 Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu,
“Tarira! Chinhu ichi chitsva?”
Chakanga chichingovapo, kare kare;
chakanga chiripo isu tisati tavapo.
11 Vanhu vakare havacharangarirwi;
uye kunyange vanovatevera,
havachazorangarirwi
nevanozotevera.
Uchenjeri hahuna maturo
12 Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema. 13 Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. 14 Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
15 Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi;
chinoshayikwa hachingaverengwi.
16 Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” 17 Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
18 Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji;
kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.