31
Zvirevo zvaMambo Remueri
Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
“Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka,
iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
usapedzera simba rako pavakadzi,
nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
 
“Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri,
hazvina kufanira madzimambo kunwa waini,
hazvina kufanira vatongi kukara doro,
nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro,
uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
Ipai doro kuna avo vari kuparara,
newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
regai vanwe vakanganwe urombo hwavo,
uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
 
“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira,
pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
Taura utonge zvakanaka;
udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
Mudzimai ane Unhu Hwakanaka
10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?
Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
11 Murume wake anovimba naye zvizere,
uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,
mazuva ose oupenyu hwake.
13 Anosarudza wuru neshinda
uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi,
anondotora zvokudya zvake kure.
15 Anomuka kuchakasviba;
agotsvagira mhuri yake zvokudya
uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
16 Anonanʼanidza munda agoutenga;
anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17 Anoita basa rake nesimba;
maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,
uye mwenje wake haudzimi pausiku.
19 Muruoko rwake anobata chirukiso,
uye anobata chirukwa neminwe yake.
20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,
uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake;
nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake;
anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta,
kana agere pakati pavakuru venyika.
24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,
uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;
anofara akatarisana namazuva anouya.
26 Anotaura nouchenjeri,
uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,
uye haadyi zvokudya zvousimbe.
28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,
murume wakewo, anomurumbidza:
29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka,
asi iwe unovakunda vose.”
30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;
asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira,
uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.