ISAYA
1
Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.
Rudzi Runomukira
Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika!
Nokuti Jehovha akataura achiti,
“Ndakarera vana ndikavakudza,
asi ivo vakandimukira.
Nzombe inoziva vatenzi vayo,
nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo,
asi Israeri haizivi,
vanhu vangu havanzwisisi.”
Haiwa, rudzi runotadza,
vanhu vakaremerwa nezvakaipa,
vana vavaiti vezvakaipa,
vana vanoita zvakaora!
Vakasiya Jehovha;
vakashora Mutsvene waIsraeri
vakamufuratira.
 
Mucharambireiko muchingorohwa?
Munorambireiko muchimukira Jehovha?
Musoro wenyu wose wakuvadzwa,
mwoyo wenyu wose warwadziwa.
Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro
wako hapana pakukutu,
anongova maronda nokurwadziwa
namavanga akazaruka,
asina kusukwa kana kusungwa
kana kuzorwa mafuta.
 
Nyika yenyu yaparadzwa,
Maguta enyu apiswa nomoto;
minda yenyu iri kutorwa navatorwa
pamberi penyu chaipo,
nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.
Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba
mumunda wemizambiringa,
seimba mumunda wamanwiwa,
seguta rakakombwa.
Dai Jehovha Wamasimba Ose
asina kutisiyira vakapunyuka,
tingadai takafanana neSodhomu,
tingadai takaita seGomora.
 
10 Inzwai shoko raJehovha,
imi vabati veSodhomu;
teererai kumurayiro waMwari wedu,
imi vanhu veGomora!
11 “Zvibayiro zvenyu zvizhinji,
zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa,
zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa;
Handifadzwi neropa renzombe,
ramakwayana nerembudzi.
12 Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu,
ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri,
naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?
13 Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo!
Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza.
Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano,
handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
14 Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa
nomweya wangu.
Zvava mutoro kwandiri;
ndaneta nokuzvitakura.
15 Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera,
ini ndichakuvanzirai chiso changu;
kunyange mukawanza munyengetero,
handisi kuzokunzwai.
Maoko enyu azere neropa;
16 shambai muzvinatse.
Bvisai mabasa enyu akaipa
pamberi pangu!
Regai kuita zvakaipa,
17 dzidzai kuita zvakarurama.
Tsvakai kururamisira,
kurudzirai vakamanikidzwa.
Dzivirirai nherera,
mukumbirire chirikadzi.
 
18 “Chiuyai zvino titaurirane,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Kunyange zvivi zvenyu zviri
zvitsvuku zvichachena sechando;
kunyange zviri zvishava somuti mushava,
zvichaita samakushe amakwai.
19 Kana muchida uye muchiteerera
muchadya zvakanakisa zvenyika;
20 asi kana muchiramba uye muchindimukira,
muchaparadzwa nomunondo.”
Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.
 
21 Tarirai guta rakatendeka
rava chifeve sei!
Iro rakanga rizere nokururamisira;
kururama kwaigara mariri,
asi zvino mogara mhondi!
22 Sirivha yako yava nengura,
waini yako yakavhenganiswa nemvura.
23 Machinda ako vapanduki,
ishamwari dzembavha;
vose vanoda fufuro,
uye vanomhanyira zvipo.
Havana hanya nokudzivirira nherera;
mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.
24 Naizvozvo Ishe, Jehovha
Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti,
“Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu,
nokuzvitsivira vavengi vangu.
25 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri;
ndichapedza chose ngura yako
ndigobvisa kusachena kwako kwose.
26 Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare,
namakurukota ako sapamazuva okutanga.
Shure kwaizvozvo uchanzi
Guta Rokururama,
Guta Rakatendeka.”
 
27 Zioni richadzikinurwa nokururamiswa,
navanotendeuka varo, nokururama.
28 Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose,
uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.
 
29 “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa,
yamunofadzwa nayo;
muchanyadziswa nokuda kwamapindu
amakasarudza.
30 Muchafanana nomuouki wasvava mashizha,
sebindu risina mvura.
31 Murume ane simba achava serwodzi
nebasa rake sesasaradzi;
zvose zvichatsva pamwe chete,
pasina achadzima moto.”