8
Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri,
akanwa pamazamu amai vangu!
Ipapo kana ndaikuwana panze,
ndaikutsvoda
uye hapana aizondishora.
Ndaizokutora ndouya newe
kumba kwamai vangu,
ivo vakandidzidzisa.
Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe,
nomukume wemitamba yangu.
Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,
uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
Shamwari
Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje
akazendamira pamudiwa wake?
Mukadzi
Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa;
ipapo mai vako vakakubereka,
ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,
sechisimbiso paruoko rwako;
nokuti rudo rwakasimba sorufu,
godo rarwo seguva harishanduki.
Runopisa serimi romoto,
somurazvo mukuru kwazvo.
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;
nzizi hadzigoni kurukukura.
Kunyange munhu akapa
pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,
zvingazvidzwa chose.
Shamwari
Tine hanzvadzi yedu duku
uye mazamu ake haasati akura.
Tichaitireiko hanzvadzi yedu
pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?
Kana ari rusvingo,
tichavaka shongwe dzesirivha paari.
Kana ari musuo,
tichamukomberedza namapuranga omusidhari.
Mukadzi
10 Ndiri rusvingo,
mazamu angu akaita seshongwe.
Ndizvo zvandava pamberi pake,
somunhu anouyisa kugutsikana.
11 Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni;
akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira.
Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo
aiuya namashekeri chiuru* esirivha.
12 Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe;
chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni,
asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.
Murume
13 Iwe unogara mumapindu
unoshandirwa neshamwari,
rega ndinzwe inzwi rako!
Mukadzi
14 Handei mudiwa wangu,
uite semhara kana setsvana
pamusoro pamakomo
azere zvinonhuhwira.
* 8:11 8:11 makirogiramu angaita 11.5 8:12 8:12 makirogiramu angaita 2.3