15
Chiprofita pamusoro peMoabhu
Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu:
Ari romuMoabhu rava dongo,
rakaparadzwa usiku!
Kiri romuMoabhu rava dongo,
rakaparadzwa usiku!
Dhibhoni rakwira kutemberi yaro,
kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema;
Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha.
Misoro yose yaveurwa
ndebvu dzose dzabviswa.
Munzira dzomuguta vakapfeka masaga:
pamusoro pamatenga edzimba
uye nomumatare, vanoungudza vose,
vakazvambarara vachichema.
Heshibhoni neErieri dzinodanidzira,
manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi.
Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira,
uye mwoyo yavo yaziya.
 
Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu;
vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari,
kusvikira kuEgirati-Sherishiya.
Vanokwidza nenzira yokuRuhiti,
vanofamba vachichema,
munzira yokuHoronaimi
vanochema kuparadzwa kwavo.
Mvura yokuNimirimi yakapwa
uye uswa hwaoma;
bumhudza rapera
uye hapachina chakasvibirira chakasara.
Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza
vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.
Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu;
kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi,
kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
Mvura yapaDhimoni yakazara neropa,
asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni,
shumba pamusoro pavatizi veMoabhu
uye napamusoro pavaya vakasara munyika.