16
Tumirai mutero
wamakwayana kumutongi wenyika,
kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje,
kugomo roMwanasikana weZioni.
Kufanana neshiri dzadzungaira
dzichisundidzirwa kubva mudendere,
ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu
pamazambuko eAmoni.
“Tipeiwo zano,
ruramisirai.
Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku,
pamasikati makuru.
Viga vatizi,
usapandukira vapoteri.
Rega vatizi veMoabhu vagare newe,
iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”
 
Mutambudzi achasvika kumagumo,
uye kuparadza kuchapera;
mudenhi achatsakatika panyika.
Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa;
mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi,
uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira,
uye achikurumidza kuita zvakarurama.
 
Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu,
namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake,
kuzvikudza kwake nokuvirima kwake,
asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
Naizvozvo vaMoabhu voungudza,
vanoungudzira Moabhu pamwe chete.
Chemai musuwe
nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
Minda yeHeshibhoni yaoma
uye mazambiringa eSibhima aomawo.
Vatongi vendudzi vatsika-tsika
mizambiringa yakaisvonaka,
iyo yaimbosvika kuJazeri
uye yaitandira yakananga kurenje.
Mabukira ayo
aitandira kusvika kugungwa.
Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri,
nokuda kwemizambiringa yeSibhima.
Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare,
ndichakudiridza nemisodzi!
Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa
yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
10 Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa;
hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa;
hapana anosvina waini pazvisviniro,
nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
11 Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira,
mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
12 Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira,
anenge achingozvinetsa pachake;
paanoenda kuimba yake kunonyengetera,
zvinenge zvisina chazvinobatsira,
13 Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu. 14 Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”