31
Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti
Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,
vanovimba namabhiza,
vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo
uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,
asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,
kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;
haangadzosi mashoko ake.
Iye achamukira imba yavakaipa,
naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.
Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari,
mabhiza avo inyama uye haasi mweya.
Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake,
uyo anobatsira achagumburwa,
uyo achabatsirwa achawa;
vose vachaparara pamwe chete.
Zvanzi naJehovha kwandiri:
“Sezvinoita shumba inoomba,
seshumba huru pamusoro pechayabata,
kunyange mhomho yose yavafudzi
ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi,
iyo haingavhundutswi noruzha rwavo,
kana kukanganiswa nemhere yavo,
saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni
napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.
Seshiri dzinobhururuka napamusoro,
Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema;
acharidzivirira, acharirwira,
achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”
Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri. Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.
“Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu;
munondo, kwete wavanhu, uchavapedza.
Vachatiza pamberi pomunondo
uye majaya avo achaiswa kuchibharo.
Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya;
vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
ane moto wake paZioni
choto chake chiri muJerusarema.