32
Umambo hwoKururama
Tarirai mambo achatonga nokururama,
uye vatongi vachatonga nokururamisira.
Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo,
noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji,
sehova dzemvura mugwenga nomumvuri
webwe guru munyika yafa nenyota.
Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini,
uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa,
uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
Benzi harichazonzi munhu anokudzwa,
munhu asina maturo haazoremekedzwi.
Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi,
ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa:
Zvaanoita hazvina umwari
uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha;
anosiya vane nzara vasina chinhu
uye anonyima mvura vane nyota.
Nzira dzousina maturo dzakaipa,
anoita rangano dzakaipa
kuti aparadze varombo nenhema,
kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka,
uye namabasa anokudzwa.
Vakadzi veJerusarema
Imi vakadzi musina hanya,
simukai muteerere kwandiri;
imi vanasikana munoti makachengetedzeka,
inzwai zvandinoreva!
10 Gore risati rapera
muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka;
nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana,
uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
11 Dederai, imi vakadzi musina hanya;
dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka!
Bvisai nguo dzenyu,
monerai masaga muzviuno zvenyu.
12 Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka,
nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu,
nyika yamera minzwa norukato,
hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro,
uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
14 Nhare dzichasiyiwa,
guta roruzha richasara risina munhu;
nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi,
mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro,
uye gwenga rava nyika yakaorera,
nemunda wakaorera wava sesango.
16 Kururamisira kuchagara kugwenga
uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
17 Chibereko chokururama chichava rugare;
uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare,
mumisha yakachengetedzeka,
munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango,
neguta rikaparadzwa zvachose,
20 ucharopafadzwa zvakadiniko,
uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose,
uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!