62
Zita idzva reZioni
Nokuda kweZioni handinganyarari,
nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere,
kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza,
noruponeso rwake somwenje unopfuta.
Ndudzi dzichaona kururama kwako,
uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako;
iwe uchadaidzwa nezita idzva
richataurwa nomuromo waJehovha.
Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha,
ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
Havachazokutizve Musiyiwa,
kana kutumidza nyika yako kuti Dongo.
Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha
uye nyika yako ichanzi Bhiyura;
nokuti Jehovha achakufarira,
uye nyika yako icharoorwa.
Sejaya zvarinowana mhandara,
saizvozvo vanakomana vako vachakuwana;
sechikomba chinofarira mwenga,
saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.
Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema;
havangambonyarari masikati kana usiku.
Imi munodana kuna Jehovha,
musazorora,
uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema,
uye ariita rumbidzo yenyika.
 
Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi,
noruoko rwake rune simba achiti,
“Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu,
uye vatorwa havachazonwizve waini itsva
yamakatamburira;
asi ivo vanokohwa ndivo vachadya
uye vacharumbidza Jehovha,
uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa
mumavazhe eimba yangu tsvene.”
 
10 Pfuurai, pfuurai napamasuo!
Gadzirirai vanhu nzira.
Vakai, vakai mugwagwa mukuru!
Bvisai mabwe.
Simudzirai ndudzi mureza.
 
11 Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”
12 Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.