63
Zuva raMwari roKutsiva noKudzikinura
Ndianiko uyu anobva kuEdhomu,
anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa?
Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya,
anofamba muukuru hwesimba rake?
“Ndini ndinotaura nokururama,
ndine simba rokuponesa.”
 
Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka
sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?
 
“Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga;
kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni.
Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu
uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu;
ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu,
ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu,
uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.
Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira,
ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira;
naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso,
uye hasha dzangu dzakanditsigira.
Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu;
muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe
uye ndakadurura ropa ravo pasi.”
Kurumbidza noKunyengetera
Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha,
iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo,
nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha,
hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira
imba yaIsraeri,
nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu,
ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,”
naizvozvo akava Muponesi wavo.
Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika,
uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa.
Murudo rwake nengoni akavadzikinura;
akavasimudza uye akavatakura
mumazuva ose akare.
10 Asi vakamumukira
vakachemedza Mweya wake Mutsvene.
Saka akashanduka akava muvengi wavo,
uye iye amene akarwa navo.
 
11 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare,
mazuva aMozisi navanhu vake, vakati,
aripiko akavayambutsa gungwa,
nomufudzi wamakwai ake?
Aripiko akaisa
Mweya wake Mutsvene pakati pavo,
12 iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba
kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi,
iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo,
kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,
13 iye akavatungamirira nomakadzika?
Sebhiza murenje, havana kugumburwa;
14 semombe dzinoburukira kubani,
vakapiwa zororo noMweya waJehovha.
Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu
kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
 
15 Tarirai pasi muri kudenga uye muone,
kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya.
Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko?
Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.
16 Asi muri Baba vedu,
kunyange Abhurahama asingatizivi
kana naIsraeri asingatiziviwo;
imi, Jehovha, ndimi Baba vedu,
Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
17 Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu
muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai?
Dzokai nokuda kwavaranda venyu,
iwo marudzi enhaka yenyu.
18 Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene,
asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.
19 Isu tiri venyu kubva kare;
asi ivo hamuna kumbovatonga,
havana kumbodaidzwa nezita renyu.