11
Zofari
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
“Mashoko aya ose haangapindurwi here?
Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?
Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here?
Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?
Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama
uye ndakachena pamberi penyu.’
Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura,
kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri,
nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri.
Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
 
“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?
Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?
Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko?
Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?
Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika
uye zvakapamhama kupfuura gungwa.
 
10 “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri
uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
11 Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera;
uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
12 Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara
sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.
 
13 “Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari,
uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,
14 kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako,
uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
15 ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi,
uchamira wakasimba uye usingatyi.
16 Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako,
uchangoirangarira semvura yakaerera.
17 Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru,
uye rima richaita samangwanani.
18 Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko;
ucharinga-ringa ugozorora murugare.
19 Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa,
uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20 Asi meso avakaipa achaneta,
uye vachashayiwa kwokutizira;
tariro yavo ichava yokufa.”