12
Jobho
Ipapo Jobho akapindura akati:
“Zvirokwazvo imi muri vanhu,
uye uchenjeri huchafa nemi!
Asi neniwo ndinonzwisisa semi;
handisi muduku kwamuri.
Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
 
“Ndava chiseko kushamwari dzangu,
kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura,
ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo,
vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
Matende amakororo haakanganiswe,
uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka,
ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.
 
“Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa,
kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
kana taura kunyika, ichakudzidzisa,
kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi
kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake,
nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
11 Ko, nzeve haiedzi mashoko
sorurimi runoravira chokudya here?
12 Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here?
Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
 
13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari;
kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve;
murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo;
kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
16 Simba nokukunda ndezvake;
anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
17 Anodzinga makurukota asina nguo
uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo
agosunga zviuno zvavo nomucheka.
19 Anodzinga vaprista vasina nguo
uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo,
uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
21 Anodurura kushorwa pamakurukota
uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima,
uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23 Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza;
anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
24 Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo;
anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza;
anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.