18
Bhiridhadhi
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
“Muchapedza kutaura uku riiniko?
Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.
Tinobatirweiko semombe
uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?
Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,
nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?
Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
 
“Mwenje weakaipa unodzimwa;
murazvo womoto wake unopera kupisa.
Chiedza chiri mutende rake chinova rima;
mwenje uri parutivi pake unodzima.
Simba renhambwe dzake rinorukutika;
mano ake pachake anomuwisira pasi.
Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,
uye anodzungaira ari mumaburi awo.
Musungo unomubata chitsitsinho;
rugombe runomubatisisa.
10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;
musungo wakaradzikwa munzira yake.
11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,
uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.
12 Pfumvu inomudokwairira;
njodzi yakamugaririra paanowa.
13 Inodya zvikamu zveganda rake;
dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.
14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro
agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.
15 Moto unogara mutende rake;
safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.
16 Moto unogara mutende rake;
uye matavi ake anosvava kumusoro.
17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika;
haana zita munyika.
18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,
uye anodzingwa panyika.
19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,
hakuna akasara kwaaimbogara.
20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;
varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.
21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;
iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”