17
Mweya wangu waputsika,
mazuva angu aitwa mashoma,
guva rakandimirira.
Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza;
meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.
 
“Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda.
Ndianiko achandiisira rubatso?
Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa;
naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro,
meso avana vake achapofumara.
 
“Mwari akandiita shumo kuvanhu vose,
munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
Meso angu aneta nokuchema;
muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo;
vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.
Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo,
uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.
 
10 “Asi uyai, imi mose, edzaizve!
Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.
11 Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa,
saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.
12 Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati;
mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’
13 Kana musha wandinotarisira uri guva chete,
kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima,
14 kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’
nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’
15 ko, tariro yangu iripi zvino?
Ndianiko angaona tariro yangu?
16 Ichaburukira kumasuo orufu here?
Tichaburukira muguruva pamwe chete here?”