20
Zofari
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
“Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure
nokuti ndakanganisika kwazvo.
Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza,
uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
 
“Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare,
kubvira pakaiswa munhu panyika,
kuti kufara kwavakaipa kupfupi,
mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga,
uye musoro wake uchindobata makore,
achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake;
vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’
Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve,
adzingwa sechiratidzo chousiku.
Ziso rakamuona harichazomuonazve;
nzvimbo yake haichazomuonazve.
10 Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo;
maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
11 Simba roujaya rakazadza mapfupa ake
richaumburuka naye muguruva.
 
12 “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa,
uye achichiviga pasi porurimi rwake,
13 kunyange asingagoni kuchiregedza
achichichengeta mumukanwa make,
14 asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make;
chichava uturu hwenyoka mukati make.
15 Achapfira pasi upfumi hwaakamedza;
Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
16 Achasveta uturu hwenyoka;
mazino emvumbi achamuuraya.
17 Haangafadzwi nehova,
idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
18 Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa;
haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
19 Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena;
akatora dzimba dzavasina chavanacho.
 
20 “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake;
haangazviponesi nepfuma yake.
21 Hapana chaakasiyirwa kuti adye;
upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
22 Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda;
kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
23 Paanenge agutsa dumbu rake,
Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake,
uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
24 Kunyange akatiza chombo chesimbi,
museve unopinza wendarira unomubaya.
25 Anoudzura kubva kumusana kwake,
muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake.
Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
26 rima guru richavandira pfuma yake.
Moto usina anopfutidzira uchamupisa
uye uchaparadza zvichasara mutende rake.
27 Matenga achaisa pachena mhaka yake;
nyika ichamumukira.
28 Mafashamu achakukura imba yake,
mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.
29 Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari,
iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”