21
Jobho
Ipapo Jobho akapindura akati:
“Teereresa mashoko angu;
uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu,
uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.
 
“Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here?
Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
Nditarire ushamiswe;
ufumbire muromo wako noruoko.
Ndinotya, pandinofunga izvi;
kudedera kunobata muviri wangu.
Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama,
vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu,
zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya;
shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka,
mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai;
vapwere vavo vanopembera vachitamba.
12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira;
vanofarira kurira kwenyere.
13 Vanopedza makore avo mukubudirira
uye vanopinda muguva nenguva isipi.
14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!
Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire?
Tinowaneiko kana tikamunamata?’
16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo,
naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.
 
17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa?
Kanganiko vachiwirwa nenjodzi,
magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
18 Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko,
sehundi inokukurwa nedutu?
19 Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’
Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake;
iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure,
mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
 
22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here,
iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere,
akachengetedzeka uye akagadzikana,
24 muviri wake wakagwinya,
mapfupa ake azere nomwongo.
25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo,
asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
26 Vanovata muguruva pamwe chete,
uye honye dzinovafukidza vose.
 
27 “Ndinoziva chose zvamunofunga,
iwo mano amungandikanganisa nawo.
28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino,
iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here?
Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
30 dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi,
kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena?
Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva,
uye rinda rake rinorindwa.
33 Ivhu romunhika rinotapira kwaari;
vanhu vose vanomutevera,
uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
 
34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo?
Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”