35
Ipapo Erihu akati:
“Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’
Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
 
“Ndinoda kupindura iwe
neshamwari dzako dzaunadzo.
Tarira kumatenga uone;
nanʼanidza makore ari pamusoro pako.
Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko?
Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?
Kana wakarurama, unomupeiko iye,
kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?
Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe,
uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
 
“Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa;
vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.
10 Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu,
anopa nziyo panguva yousiku,
11 anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika
uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’
12 Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere,
nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.
13 Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo;
Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.
14 Ndoda, zvino, haangateereri
kana uchiti hausi kumuona,
mhaka yako iri pamberi pake
zvokuti unofanira kumumirira,
15 uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi,
uye haana hanya zvake nezvakaipa.
16 Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo;
anowanza mashoko ake asina zivo.”