36
Erihu akaenderera mberi achiti:
“Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva,
ipapo ndichakuratidzai
kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
Ruzivo rwangu runobva kure;
ndichati Muiti wangu akarurama.
Muzive kuti mashoko angu haasi enhema;
akakwana pazivo ari pakati penyu.
 
“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu;
ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
Haaregi vakaipa vari vapenyu,
asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
Haabvisi meso ake pane vakarurama;
anovagadza pamwe chete namadzimambo
uye anovasimudzira nokusingaperi.
Asi kana vanhu vakasungwa nengetani,
vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
iye anovaudza zvavanenge vaita,
kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa,
uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
11 Kana vakateerera uye vakamushumira,
vachapedza mazuva avo ose mukubudirira
uye makore avo vari mukugutsikana.
12 Asi kana vasingateereri,
vachapera nomunondo,
uye vachafa vasina zivo.
 
13 “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi,
kunyange paanovasunga,
havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14 Vanofa panguva yeujaya hwavo,
pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo;
anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
 
16 “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo,
kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo,
pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17 Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa;
kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
18 Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma;
usarega fufuro huru ichikutsausa.
19 Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako
zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
20 Rega kushuva usiku,
kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
21 Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa,
izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
 
22 “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake.
Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
23 Ndianiko akamuratidza nzira dzake,
kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24 Rangarira kukudza basa rake,
iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25 Marudzi ose avanhu akariona;
vanhu vanoritarisa vari kure.
26 Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu!
Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
 
27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro,
anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28 makore anodurura unyoro hwawo
uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore,
namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake,
ichituhwina makadzika megungwa.
31 Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi
neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32 Anozadza maoko ake nemheni
agorayira kuti irove paanoda.
33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya;
kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.