37
“Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi,
uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.
Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake,
nokuunga kunobva pamuromo wake.
Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose,
agoituma kumigumo yenyika.
Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika;
anotinhira nenzwi roumambo hwake.
Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa;
iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.
Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’
nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’
Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake,
anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.
Mhuka dzinovanda;
dzinoramba dziri mumapako adzo.
Dutu rinobuda pakamuri yaro,
chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.
10 Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando,
uye mvura zhinji inooma kuita chando.
11 Anozadza makore nounyoro;
anoparadzira mheni yake nomumakore.
12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose,
kuti aite zvose zvaanoarayira.
13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu,
kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake.
 
14 “Teerera izvi, Jobho;
imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.
15 Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari
nokupenyesa kwaanoita mheni yake?
16 Unoziva maturikirwo akaitwa makore here,
izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
17 Iyewe unopiswa nenguo dzako
nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi,
18 ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here,
iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.
 
19 “Tiudze zvatingareva kwaari;
hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.
20 Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?
21 Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva,
nokuvhenekera kwaro riri mumatenga,
mushure mokunge mhepo yaachenesa.
22 Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro;
Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.
23 Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba;
mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri.
24 Naizvozvo, vanhu vanomutya,
ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”