7
“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here?
Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?
Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana,
kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,
saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo,
uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’
Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda,
ganda rangu rakatsemuka uye raora.
 
“Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki,
uye anosvika kumagumo asina tariro.
Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema;
meso angu haachazoonizve mufaro.
Ziso rinondiona zvino harichazondionizve;
muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda,
saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve.
10 Haachazouyi kumba kwakezve;
nzvimbo yake haichazomuzivizve.
 
11 “Naizvozvo handinganyarari;
ndichataura pakurwadza kwomweya wangu,
ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
12 Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika,
zvamunondiisa pasi pomurindi?
13 Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza,
uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,
14 ipapo munondityisidzira nezviroto
uye munondivhundutsa nezviratidzo,
15 zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu,
pachinzvimbo chomuviri wangu uno.
16 Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi.
Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.
 
17 “Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai,
zvamunomurangarira zvakadai,
18 zvamunomunzvera mangwanani ose
uye muchimuedza nguva dzose?
19 Hamusi kuzombotarirawo kudivi here,
kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?
20 Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri,
imi mutariri wavanhu?
Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira?
Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
21 Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu
uye musingandiregereri zvivi zvangu?
Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza.
Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”