8
Bhiridhadhi
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai?
Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?
Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
Vana vako pavakamutadzira,
akaita kuti varangirwe chivi chavo.
Asi kana ukatarisa kuna Mwari
uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
kana uri wakachena uye wakarurama,
kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire,
agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi,
ramangwana rako richava rokubudirira.
 
“Bvunza marudzi akare
ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva,
uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10 Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here?
Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here?
Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa,
dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13 Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari;
saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14 Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba,
zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15 Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka;
anobatirira pariri, asi harimiri.
16 Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana,
unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
17 unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo,
uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
18 Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo,
nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
19 Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma,
uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
 
20 “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka
uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
21 Achazadza muromo wako nokuseka
uye miromo yako nokupururudza.
22 Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa,
uye matende avakaipa haachazovapozve.”