14
Kusanaya kweMvura, Nzara, Munondo
Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura:
“Judha anochema,
maguta ake apera simba;
vanoungudza nokuda kwenyika,
uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema.
Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura;
vanoenda kumatsime,
asi vanoshayiwa mvura.
Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura;
vaora mwoyo uye vasisina tariro,
vanofukidza misoro yavo.
Nyika yaparuka
nokuti munyika hamuchina mvura;
varimi vaora mwoyo
uye vanofukidza misoro yavo.
Kunyange nehadzi yenondo iri musango
inosiya mhuru yayo ichangoberekwa
nokuti hakuchina bundo.
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti,
uye dzinofemedzeka semakava;
meso adzo haachaona zvakanaka
nokuda kwokushaya mafuro.”
 
Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa,
imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu.
Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru;
takakutadzirai.
Imi Tariro yaIsraeri,
Muponesi wavo panguva yokutambudzika,
maitireiko somutorwa munyika,
somufambi anongovata usiku humwe chete?
Maitireiko somunhu ashamisika
somurwi ashaya simba rokuponesa?
Muri pakati pedu, imi Jehovha,
uye takatumidzwa zita renyu;
regai kutisiya!
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava,
“Vanofarira kungofamba-famba;
havadzori tsoka dzavo.
Saka Jehovha haavagamuchiri;
zvino acharangarira zvakaipa zvavo
uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.”
11 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava. 12 Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”
13 Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ”
14 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo. 15 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara. 16 Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.
17 “Taura shoko iri kwavari, uti,
“ ‘Meso angu ngaayerere misodzi
usiku namasikati asingaregi;
nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu,
vakuvadzwa vanga rakaipa, iko kurohwa kukuru.
18 Kana ndikaenda mukati menyika,
ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo;
kana ndikaenda muguta,
ndinoona vakaparadzwa nenzara.
Vose, muprofita nomuprista
vakaenda kunyika yavasingazivi.’ ”
 
19 Ko, maramba Judha zvachose here?
Munozvidza Zioni here?
Sei makatirwadzisa
zvokuti tirege kuporeswa?
Takatarisira rugare
asi hakuna chakanaka chakauya,
takatarisira nguva yokuporeswa
asi panongova nokuvhundutswa bedzi.
20 Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu,
uye nemhosva yamadzibaba edu;
zvirokwazvo takakutadzirai.
21 Nokuda kwezita renyu, musatizvidza;
regai kushora chigaro chenyu chinobwinya.
Rangarirai henyu sungano yenyu nesu
mugorega kuiputsa.
22 Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here?
Ko, matenga, anonayisa mvura oga here?
Kwete, ndimi, iyemi Jehovha Mwari wedu.
Naizvozvo tariro yedu iri mamuri,
nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.