15
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende! Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu,
vakafanirwa nomunondo, kumunondo;
vakafanirwa nenzara, kunzara;
vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’
“Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye uye dziparadze. Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
“Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema?
Ndianiko achakuchemera?
Ndianiko achamira achikubvunza mufaro?
Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Unoramba uchidzokera shure.
Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza;
handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi.
Ndichavarudza neforogo yokurudzisa,
pamasuo eguta renyika.
Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu,
nokuti havana kushandura nzira dzavo.
Ndichawanza chirikadzi dzavo
kupfuura jecha regungwa.
Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi,
pamusoro pavanamai vamajaya avo;
pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo
kurwadziwa nokutya.
Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa.
Zuva rake richavira achiri masikati;
achanyadziswa uye achaninipiswa.
Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo
pamberi pavavengi vavo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
10 Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka
kuti ndive murume anorwiswa uye anomisidzanwa naye nenyika yose!
Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti,
asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.
11 Jehovha akati,
“Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka;
zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze
panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika.
 
12 “Ko, munhu angavhuna simbi here,
simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira?
13 Pfuma yako namatura ako
ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo,
nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose.
14 Ndichakuita muranda wavavengi vako
kunyika yausingazivi,
nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto
uchapfuta kuti ukupise.”
15 Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa;
ndirangarirei mugondichengeta.
Munditsivire kuvatambudzi vangu.
Imi mune mwoyo murefu, musandibvisa;
fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu.
16 Mashoko enyu paakasvika ndakaadya;
akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu,
nokuti ndakatumidzwa zita renyu,
imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
17 Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza,
handina kumbofara navo;
ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu,
uye makanga mandizadza nokutsamwa.
18 Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi,
uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki?
Muchava kwandiri sorukova runonyengera,
sechitubu chinopwa?
19 Naizvozvo zvanzi naJehovha:
“Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve
kuti ugondishumira;
kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira,
uchava munhu anotaura akandimirira.
Vanhu ava ngavadzokere kwauri,
asi iwe usaenda kwavari.
20 Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava,
nhare yorusvingo rwendarira;
vacharwa newe,
asi havangakukundi,
nokuti ini ndinewe,
kuti ndikurwire ndigokuponesa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa
uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”