30
Kuvandudzwa kweIsraeri
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza. Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha: “Zvanzi naJehovha:
“ ‘Tinonzwa kuchema kwevanotya,
kwokutyisidzirwa, kwete kworugare.
Bvunzai muone:
Ko, murume angagona kusununguka mwana here?
Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba
akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa,
zviso zvose zvachenuruka?
Haiwa, zuva iro richatyisa seiko!
Hakuna richafanana naro.
Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika,
asi achaponeswa pairi.
 
“ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,
‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo
uye ndichadambura zvisungo zvavo;
havachazoitwizve varanda navatorwa.
Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo
naDhavhidhi mambo wavo,
iye wandichavamutsira.
 
10 “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu;
usavhunduka, iwe Israeri,’
ndizvo zvinotaura Jehovha.
‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure,
zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo.
Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka,
uye hakuna achazomutyisa.
11 Ndinewe uye ndichakuponesa,’
ndizvo zvinotaura Jehovha.
‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose
dzandakakuparadzira pakati padzo,
handingazokuparadze zvachose iwe.
Ndichakuranga asi nokururamisira chete;
handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’
12 “Zvanzi naJehovha:
“ ‘Ronda rako harirapiki,
kukuvadzwa kwako hakupori.
13 Hakuna anokureverera mhaka yako,
vanga rako harina mushonga,
hapana kuporeswa kwako.
14 Vose vaikuda vakakukanganwa;
havachina hanya newe.
Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi
ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye
nokuti mhosva yako ihuru
uye zvivi zvako zvakawanda.
15 Unochemeiko pamusoro pevanga rako,
nokurwadziswa kwako kusingarapike?
Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji
ndakaita zvinhu izvi kwauri.
 
16 “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo;
vavengi vako vose vachaenda kuutapwa.
Vanokupamba, vachapambwawo;
vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.
17 Asi ndichakudzorera pautano
uye ndichaporesa maronda ako,’
ndizvo zvinotaura Jehovha,
‘nokuti iwe wakanzi murashwa,
Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
18 “Zvanzi naJehovha:
“ ‘Ndichadzosazve pfuma yamatende aJakobho
uye ndichanzwira ugaro hwake tsitsi;
guta richavakwazve pamatongo aro,
nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.
19 Nziyo dzokuvonga dzichabva kwavari
uye nenzwi romufaro.
Ndichawedzera kuwanda kwavo,
uye havangatapudzwi;
ndichavavigira kukudzwa,
uye havangadukupiswi,
20 Vana vavo vachava sepamazuva ekare,
uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu;
ndicharanga vose vanovamanikidza.
21 Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo;
anovabata ushe achamutswa pakati pavo.
Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni,
nokuti ndianiko achazvipira
kuti ave pedyo neni?’
ndizvo zvinotaura Jehovha.
22 ‘Saka muchava vanhu vangu,
neni ndichava Mwari wenyu.’ ”
 
23 Tarirai, dutu raJehovha
richaputika mukutsamwa kwake,
mhepo inovhuvhuta ichimona
pamisoro yavakaipa.
24 Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki,
kusvikira apedza
zvinovavarirwa nomwoyo wake.
Mumazuva anouya
muchanzwisisa izvozvi.