31
“Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”
Zvanzi naJehovha:
“Vanhu vakapunyuka pamunondo
vachawana nyasha mugwenga;
ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti:
“Ndakakudai norudo rusingaperi;
ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
Ndichakuvakazve,
ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri.
Uchatorazve matambureni ako
ugoenda kundotamba navanofara.
Zvakare, muchasima minda yemizambiringa
pamusoro pezvikomo zveSamaria;
varimi vachaisima,
vagofadzwa nezvibereko zvayo.
Pachava nezuva richadanidzira nharirire
dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti,
‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni,
kuna Jehovha Mwari wedu.’ ”
Zvanzi naJehovha:
“Imbirai Jakobho nomufaro;
pururudzirai mukuru wendudzi.
Paridzai, rumbidzai, muchiti,
‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu,
ivo vakasara vaIsraeri.’
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro,
uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika.
Pakati pavo pachava namapofu nezvirema,
navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa;
boka guru richadzoka kuno.
Vachauya vachichema;
vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa.
Ndichavafambisa nepahova dzemvura,
napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi,
nokuti ndiri baba vaIsraeri,
uye Efuremu ndiye dangwe rangu.
 
10 “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose;
muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti:
‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza,
uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’
11 Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho,
uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.
12 Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni;
vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha,
nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta,
makwayana nemombe.
Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa,
uye havachazosuwazve.
13 Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara,
majaya navatana vachafarawo.
Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro;
ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
14 Ndichagutsa vaprista nezvakawanda,
uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
15 Zvanzi naJehovha:
“Inzwi rinonzwikwa muRama,
rokuungudza nokuchema kukuru,
Rakeri achichema vana vake
uye achiramba kunyaradzwa,
nokuti vana vake havachipo.”
16 Zvanzi naJehovha:
“Dzora inzwi rako pakuchema
nameso ako pamisodzi,
nokuti basa rako richaripirwa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.
17 Saka ramangwana rako rine tariro,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
 
18 “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti:
‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa,
nokudaro ndakarangwa.
Ndidzorei, ipapo ndichadzoka,
nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.
19 Mushure mokutsauka kwangu,
ndakatendeuka;
ndakati ndanzwisisa
ndakazvirova chipfuva.
Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa
nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
20 Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa,
mwana anondifadza here?
Kunyange ndichimupikisa kazhinji,
ndinoramba ndichimurangarira.
Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva;
ndinomunzwira tsitsi kwazvo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
21 “Zvimisirei shongwe dzenzira;
misai zvikwangwani.
Cherechedzai mugwagwa mukuru,
mugwagwa wamunofamba nawo.
Dzoka, iwe Mhandara Israeri,
dzokera kumaguta ako.
22 Uchadzungaira kusvikira rinhiko,
iwe mwanasikana wokusatendeka?
Jehovha achasika chinhu chitsva panyika,
zvokuti mukadzi achambundikira murume.”
23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’ 24 Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo. 25 Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”
26 Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.
27 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka. 28 Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 29 “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti,
“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,
mazino avana akaita hwadzira.’
30 Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.
31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“yandichaita sungano itsva
neimba yaIsraeri
uye neimba yaJudha.
32 Haingazofanani nesungano
yandakaita namadzitateguru avo,
pandakavabata ruoko
kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,
nokuti vakaputsa sungano yangu,
kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri
shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo
uye ndigounyora mumwoyo yavo.
Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake
kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’
nokuti vose vachandiziva,
kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo,
uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
35 Zvanzi naJehovha,
iye anogadza zuva
kuti rivhenekere masikati,
anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi
kuti zvivhenekere usiku,
iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,
Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume
kuva rudzi pamberi pangu.”
37 Zvanzi naJehovha:
“Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa,
uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa,
ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri
nokuda kwezvose zvavakaita,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
38 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona. 39 Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa. 40 Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”