MAPISAREMA
BHUKU 1
1
Mapisarema 1–41
Akaropafadzwa munhu
asingafambi panorangana vakaipa,
asingamiri panzira yavatadzi,
asingagari pachigaro chavadadi.
Asi anofarira murayiro waJehovha,
uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,
unobereka michero yawo nenguva yawo,
uye mashizha awo haasvavi.
Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
 
Vakaipa havana kudaro!
Vakafanana nehundi
inopepereswa nemhepo.
Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,
kana vatadzi paungano yavakarurama.
 
Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,
asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.