Pisarema 2
Ndudzi dzinoitireiko bope?
Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
Madzimambo enyika azvigadzirira
uye vabati vanoungana pamwe chete
kuti vazorwa naJehovha,
uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.
Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,
tigorasa mabote avo.”
 
Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;
Ishe anovadadira.
Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake
uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
“Ndakagadza Mambo wangu
paZioni, gomo rangu dzvene.”
Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:
Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndava Baba vako.
Kumbira kwandiri,
uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,
migumo yenyika ive yako.
Uchavatonga netsvimbo yesimbi;
uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
 
10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;
munyeverwe, imi vabati venyika.
11 Shumirai Jehovha nokutya,
uye mufare nokudedera.
12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa
mukazoparadzwa munzira yenyu,
nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.
Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.