Pisarema 100
Pisarema rokuvonga.
Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
Shumirai Jehovha nomufaro;
uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.
Ndiye akatisika, uye tiri vake;
tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
 
Pindai pamasuo ake nokuvonga
nomuvanze dzake nokurumbidza;
chimuvongai uye murumbidze zita rake.
Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;
kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.